Dr. Emily Thompson

Dr. Emily Thompson “Stick it on and slim down effortlessly — burn fat naturally while you relax, reveal your best shape, and feel confident every day.”
(1)

03/04/2024

RUTH

A Novel By Tamara

O711424200

Follow our channel for more: https://whatsapp.com/channel/0029VaIvxiB5fM5YoNoevP3B

Free Book Kindly Share

Chapter 1

In life there are moments when you stop and ask yourself, 'How did i get here?' That was one of those moments for me and i found myself going back to the beginning. I was born in a rich family. My parents were both doctors. I was the firstborn followed by my brother who was born 14 years later. We were only 2. My parents were not only doctors, they owned businesses. I could get most of the good things life could give. We lived in a beautiful house with maids enough to care for our comfort. However besides being born in such a family, my mother would teach me to be always humble. Taiti kana tikashanya ndaitoitawo zvinoita vamwe, chiri chikafu ndaitodyawo chaidya vamwe, basa ndaitoitawo raiita vamwe. Ndakakura ndiri munhu uya anojaira zvese and ndaive munhu aikurumidza kugamuchira zviripo ndoita zviripo panguva iyoyo. Nehudiki ndaitoti ndiri kuitirwa hutsinye kana ndikarohwa ndada kuonererwa paruzhinji.

"Vaiziva zvavo amai vangu," ndakataura ndega ndichiisa zamu mumukanwa memwana wangu uyo ainge atondibvisa mundangariro nekuchema kwaainge oita. Akazama kuyamwa asi mukaka hauna kukwanisa kubuda zvakanaka achibva abhowekana kwave kundirumira akawedzera kuchema zvine ruzha mukati. Aigouwanepi mukaka wacho ini ndainge ndisina chandainge ndadya chinogutsa zvezuva iroro.

"Mai Rorini iwe! Mwana aitweizve nhai veduwe!!" Ndakanzwa vamwene vangu vodaidzira ndikati, "Mhamha mungatevedzera zvaLorrene here! Anonetsa uyu!" Ndakadaro ndichida vasashushikana zvikanzi, "Ari kudei!" Ndakambotora kanguva ndisina kupindura ndikazoti, "Kungonetsa mhamha inyaya yechihosho chake chandamutorera. Ipapa ndizvo zviri kumuchemedza chete mhamha!" Vakabva vanyarara Lorrene wacho kwakuwedzera kuchema zvikanzi, "Iwe mai Rorini mwana ari kuchemei uyo!"

"Ari kungonetsa uyu handizive chaari kuda."

"Huya naye kuno nditambe naye."

Ndakabva ndasimuka kwave kumonera zambia rangu zvakanaka ndikabva ndanomugadzika pamakumbo pambuya vake ndikati, "Uyu mhamha." Kungomubata chete aibva anyarara. She searched for her hand vachibva varibata vachitamba narwo Lorrene kwave kusekerera zvekutobuda tumasiriri. Ndakadonhedza misodzi nekunyemwerera at the same time ndichiona vamwene vangu vachinyemwererawo vakabata mwana. Ndakambovayeva vari vese kwekanguva ndikati, "Mhamha ini ndinotoshaya kuti munomunyaradza sei mwana uyu. Ini anondi shupa ini asi imimi kungomubata chete anobva anyarara." Vakanyemwerera vakati, "I have a devine touch uyezve maoko angu anotsvedzerera. Enyu maoko anomara mwana mai Rorini." Ndakaridza chikuwe ndikati, "And mhamha ka!!!" Vachibva vasekawo.

She searched for Lorrene's face and played with her cheeks kachibva kaseka kuita fanike kainge kasina kumbochema. "Ndochikuisirai tea here amai?" Ndakabvunza zvikanzi, "Ehe ndinoida ndimbodziisa mapapu." Ndakatyora muzura ndikati, "Ehoi," kwave kuenda muimba yekubikira ndikasvika tete vachakarara ndikati, "Mangwanani!" Zvikanzi, "Ndeipi!" Ndakadaira kwave kugudurudza muma drawer zvikanzi navatete, "Nhai Miriro ukundinyaudzireiko kudai!" Pamba pataigara paive ne3 rooms, bedroom randairara nemurume wangu, mairara mhamha, tete vairara mu kitchen.

Ndakazvininipisa ndikati, "Sorii ndiri kutsvagawo tu flour twandakasiya nezuro ndibikire mhamha kachingwa kekunwisa tea." Vakaminyura miromo vakati, "Tsvagai." Ndakaramba ndichitsvaga kusvika ndaneta kwave kunongedzera muchimwe chi drawer chaigara zvinhu zvakangosangana sangana ndikati, "Kuti ndakaiisa umu?" Ndakataura ndega tete vakadaira vakati, "Uri kutaura neni here?" Ndakadzungudza musoro ndikati, "Kweteba."

"Uri kunditadzisa kurara ita zvinhu zvako ubude mai Lorrene."

"Ehoi. Aaaagh ndikutoshaya kuti flour iyoyo ndakaiisa pai chaizvo." Ndakataura ndichishushikana ndikati, "Flour yandakasiya muchi drawer ichichi. Aaagh." Ndakataura ndega ndichishungurudzikana zvisingaite ndikangobika tea kwave kuiendesa kuna amai yakangodaro. Ndakasvikotora mwana kwakumugadzika padivi ndikatora ruoko rwavo ndikati, "Tea yenyu iyi mhamha," ndaidaro ndichivabatisa cup. She was blind. Ndakavatambidza zvikanzi, "Ndinotenda."

"Ndanga ndichida kukubikirai tuma fat cook asi ndashaya flour yandakasiya nezuro mumba imomu."

"Hazvinei," she paused as she sipped her tea vakati, "Nyangwe yakadaro ndinotonzwa zviri nane usazvinetse."

"Aaagh asi mhamha inini zve flour iyoyo zviri kutondinetsa. Ndiri kutoshaya kuti ndakaiisa nechepai chaipo," ndakadaro ndakabata chirebvu changu ndichifungisisa zvikanzi, "Nezuro hamuna kubika mafetikuku masikati here? Hamusi makukoshiwa here?"

"Aaaagh nezuro masikati handina kushandisa flour iyoyo. Handi nezuro baba Lolo vainge vauya nechingwa here chiya chatakaswera tichidya saka there was no need yekuchabika zvimwe."

"Aaaagh munorevesa here kuti nezuro hamuna kubika mafetikuku masikati?"

"Idi amai"

"Aaaagh kuti...." She paused vachiratidza kufungisisa vakati, "Nezuro ndakanzwa kunhuwirira kwemafetikuku. Pane akabika mafetikuku mumba imomo."

"Munechokwadi here amai?"

"Ehe ndinorevesa."

Ndakanzwa hasha kuungana mandiri ndikaziva kuti nditete vainge vashandisa flour vachida kundiita benzi. Ndakatura befu ndikati, "Zvakanakai amai." Vakabva vanwa tea yavo chinyararire ndichibva ndabereka mwana ndikati, "Ndichambosvika pamusika mhamha ndinodzoka manje manje."

"Zvakanakai," vakadaro ndikananga kumusika kwave kumbotaura tunyaya namai Tino vaitengesapo ndichisekerera fani zvikanzi, "Kusekerera kwako uku kwauri kuita kwanyanya. Sekerera hako asi nhasi handina chandiri kukukweretesa mai Lorrene." Ndakazhinya zhinya ndikati, "Musadaro kani vasikana ndinobhadhara. Ingondipaiwo chingwa mari yenyu ndinokupai." Vakadzungudza musoro vakati, "Aiwa kana zvikwereti zvako zvanyanya iwewe." Ndakanzwisa tsitsi ndikati, "Ndinobhadhara kani kana baba Lolo vachinge vangodzoka chete."

"Ummmm."

"Ndinobhadhara ndinzwireiwo tsitsi veduwe."

Mai Tino vainge vari munhu ane tsitsi vachibva vanditi, "Torai vasikana asi manyanya." Ndakatenda zvikuru kwave kuenda ndikanodirira mwana wangu tea kwakudirira gogo vacho cup yechi 2 vakanwa vese ini ndikaenda kuchibhorani kwave kudzoka ndikatanga kwacha kusvika dzave kuma past 11. Kuma 11 ndipo pakazomuka tete vachibva vakanda hembe dzavo pandaiwacha zvikanzi, "Ko waregerei kundiudzawo kuti uri kuwacha nhaiwe Miriro. Unoda ndiende kubasa nehembe dzakasviba here mangwana."

"Ndanga ndisingade kukumutsai tete sorii zvenyu."

"Aaaagh iweka. Uwache hembe yangu yeblack iyo izvozvi ndikuda kutobuda nayo manje manje," vakadaro vachibhidhaira vachienda. Ndakaibudisa mu dish mavainge vaiisa kwave kuyiisa mu bucket sezvo mavainge vaikanda maive nehembe dze white chete. Ndakaiwacha payo yega ndikayanika vachibva vazowaridza pamushana kwave kuzvambarara ndikati, "Nhai vatete makaonawo flour yangu nezuro here?"

"Aikaka ko ndamboti wani handina kuiona. Kasi hauchanzwe?"

"Aaaagh munorevesa here imi tete?"

She clicked her tongue ndikati, "Zvimwe zvamunoita tete ini handizvifarire hangu handimbode kukunyeperai. Munozviziva imi kuti mhamha vanoda tea every morning zvino munoda vanwe isina chinhu here zuva nezuva!" Ndakadaro hasha dzasimuka vachibva vandi ignore. Ndakaita kunge ndichachema ndikati, "Asi musadaro imi sure." Ndakadaro maziso atojenga misodzi zvikanzi, "Wanga wafunga kundiita sei?" Ndikati, "Hapana hangu kungoti handina kuzvifarira. Tese tinoziva situation iri pano. Kwete izvozvo zvega, pamusoro pazvo mondiita benzi. Ko munodii kungotaura chokwadi pane kunditambisa bhora risina mweya."

"Ndizvo zvandatika wanga wafunga kundiita sei?"

"Aaaagh zvakanaka hazvo," ndakadaro ndichiwacha. Tete vainge vane hunhu ihwohwo hwekuti vaisafunga vamwe pane zvekudya izvi. Wasiya chikafu chevanhu 2 waisvika chadyiwa chese nemunhu one. Ndaisambonyanyo taura nezvazvo asi zuva iri chainge chanyanyondibhowa kundinyepera. Ndichiri kuwacha kudaro mufoni mangu makapinda message ndikanyemwerera ndichifunga kuti ndibaba Lolo vainge vandifungawo asi kwete. Ndakaona vari boss vekubasa kwandaimboshanda vaida ndivatsvairire mu office mavo rechimangwana racho.

8 dzemanheru padzakachaya ndipo pakadzoka baba Lolo kwakungosvikondi mhoresa vachibva vapinda mumachira kwave kutorara izvo zvakandinetsa. Murume wangu aive munhu ainge akanyararisa fani, asi tiri mubedroom taitaura nyaya dzakasiyana siyana. It had been 3 days munhu achingoita hunhu ihwohwo hwekungosvika nekurara. Ndakararawo makuseni ndikamuka ndikamugadzirira zvekugeza nekupfeka. Ave kupfeka ndipo pandakati, "Nhasi muti kurumidzeiwo kudzoka baba Lolo ndiri kuda kutaura nemi."

"Inyaya yei?"

"Ukuita kunge une zviri kukunetsa. Ndizvo zvandinoda tikurukurirane."

"Iribhoo."

"Mumba hamusisina chikafu baba Lolo."

"Ndikuzvigadzirisa."

"Nhasi wacho tambodyei asi? Kana mukaka wangu hauchanatsobuda uyu."

He took his bag kwave kuribereka akaswebera pedyo neni and kissed me akati, "Nhasi ndikuzvigadzirisa just trust me."

"Asi nhasi hapana chekudya."

"Miriro please handingatadze kusiya mari yechikafu ndinayo. Just do zviripo for today. Mangwana it will be sorted." He kissed me again akati, "Goodbye tinotaura ndadzoka." Akabva atobuda ndisina kupindura. Riley was a quite person as i said. Aive munhu asiri open. Kana pane zvaimunetsa aisataura pamwe aikuudza zvisina kuzara. Waitoita wekunyengerera kuti ave open. Kana ma deals ake aisataura taura. Zvizhinji aizondiudza deal raanenge achiita ratopera. He was that kind of a man wekuti you couldn't figure out kuti what was he up to. Besides the issue of not being open, zvimwe zvese we were okay.

End Of Chapter

03/04/2024

Makadii makadii ... Muchiriko here uko. Kana uriko ingoisa like handiti 🥰

Let's expect a new book soon, takamirira new book ndichaSender previous book entitled RUTH vamwe vakamboriverenga vamwe havana asi ndichangoridzokorodza kuri sender.

💃💃💃💃

Address

Harare

Telephone

+263711424200

Website

Alerts

Be the first to know and let us send you an email when Dr. Emily Thompson posts news and promotions. Your email address will not be used for any other purpose, and you can unsubscribe at any time.

Shortcuts

Share